Shona Definition
Mutupo mucherechedzo weukama hwevanhu verudzi rumwe chete, unotorwa kubva pamhuka kana zvimwewo zvisikwa. Mutupo wenyu munoera chii? Munhu akati chimwe chinhu mutupo kwaari anenge achireva kuti haatombodi kana kuchibata kana kuchiita. Isu vanamati doro utori mutupo. Kana munhu ari nyope badza unenge utori mutupo kwaari.
Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.
Used in other entries
“Hama yako munhu weropa rimwe chete, newe kana kuti munhu anoera mutupo umwe chete newe kana, kuti umwewo anobatanidzwa newe pakuroorerana.”
from hama“Mhuri inoumbwa nevanhu vemusha mumwe chete vane mutupo mumwe chete.”
from mhuri“MaShona ane muko wekuti munhu haafaniri kudya mutupo.”
from muko“Kana munhu achi yera imwe mhuka kana nhengo yeimwe mhuka anenge asingabvumirwe kuidya nekuti unenge uri mutupo wake.”
from -yera“Mutupo umwe noumwe une detembo rawo.”
from detembo