DuraMazwi
Browse Words
Words

-yera

Shona Definition

Ku yera kupfeka hembe kana bhutsu kuti uone kuti zvinokwana here. Ini kana ndichitenga chekupfeka, ndinotanga ndachiyera ndisati ndachibhadhara kuti ndione kuti chakandigara here. -yedza . Ku yera kushandisa rura kana chimwe chiyereso kuti uone kureba kwakaita chinhu kana nzvimbo. Vana mudhumeni vanoshandisa nhanho dzavo pakuyera minda. Kana munhu achi yera imwe mhuka kana nhengo yeimwe mhuka anenge asingabvumirwe kuidya nekuti unenge uri mutupo wake. -era .

Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.