Shona Definition
Chirevo mashoko anotaurwa panguva imwe chete nomunhu kusvikira paanozororera, iwo aine zvaanoreva zvakakwana. Kana uchinyora rondedzero, unofanira kushandisa zvirevo zvizere nguva dzose. Chirevo mazwi ane udzamu mune zvaanoreva, kazhinji ari ematambidzanwa. "Mandikurumidze akazvara mandinonoke" chirevo chechokwadi. Chirevo mazwi anopiwa nemutongi anenge achifanira kutevedzwa. mutemo
Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.
Used in other entries
“gomarara Koma kanyora kanoshandiswa pakunyora chirevo, kuratidza pekumbozororera kana uchichiverenga.”
from koma“Iri izwi rinoshandiswa kurebesa chirevo, uchiratidza kuti chii chinotanga kuitika kuti chimwe chizotevera.”
from kana“Chimiso kadodzi kanoiswa pokupedzisira pomutsetse wanyorwa, kuratidza kuti ndipo panoperera chirevo.”
from chimiso“Tsumo chirevo chinotaura zvakadzama nemanzwi mashoma, chichitaridza zvinowanzoitika muupenyu.”
from tsumo“Ichi chirevo chakadzama china mazvi anopesedzera pane zvaanoreva.”
from dimikira