Browse Words
Shona Definition
Usiku inguva inenge kwava nerima, zuva radoka. Varoyi vanofamba namazizi avo usiku, vamwe vanhu vose varere. ANTONYMS masikati Usiku izwi rinoshandiswa kureva munhu asina zvaanoziva, kana kuti asina njere dzakapinza.
Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.
Used in other entries
“Chipoko chinoonekwa parinda rake usiku.”
from chipoko“Mvura yaiti cho-o usiku hwose.”
from cho-o“Vanhu vanokurudzirwa kuti vasapfeka nhumbi dzakadzima kana vachifamba mumugwagwa usiku.”
from -dzima“Ukafamba usina chivirikidzo usiku unomerera chando.”
from chivirikidzo“Kana zviya ndichida kuverenga usiku, ndinonwa kofi kuti ndisakurumidza kubatwa nehope.”
from kofi“madekwana Manheru usiku hwapfuura.”
from manheru