DuraMazwi
Browse Words
Words

simba

Shona Definition

Munhu kana mhuka ine simba inenge ine utano hwakanaka hunoita kuti ikwanise kuita zvakasiyana-siyana. Simba kukwanisa kuita chimwe chinhu zvisingagoni kuonekwa namaziso. Simba raMwari ndiro rinoita kuti vanhu nemhuka zvirarame. Simba remagetsi ndiro rinofambisa michina. Simba utano hwakanaka hunoita kuti ukwanise kuita zvakasiyana-siyana. Mwana mudiki uyu, haangamboita simba rokusimudza zibhokisi guru rakadai. Simba chinzvimbo nechiremera china vamwe vanhu chinosakisa kuti vatyiwe nokutererwa, vachiitirwa zvavanenge vachida. Ane simba rokubudisa munhu basa.

Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.

Used in other entries