DuraMazwi
Browse Words
Words

-oma

Shona Definition

Kana hembe dza oma dzinenge dzadonha mvura dzikapera mwando, padzinenge dzakayanikwa. Kana chekudya chakaita senyama cha oma chinenge chayanikwa, chisisina ropa kana mvura. Vanhu kumusha vanochengeta nyama yakaoma nokuti havana mafiriji ekuichengetera iri nyoro. Kana munhu a oma muviri anenge afa. Kana munhu aka oma mwoyo anenge aine muitiro wakaipa, asingaregereri kana kunzwira vamwe tsitsi. Kana chinhu chichinzi chaka oma chinenge chichigozha kuita kana kunzwisisa. Basa romumugodhi rakaoma chaizvo. Zvataonawo pamba apa zvakaoma chaizvo. Kana munhu achinzi aka oma anenge achigonesesa kana kuti asingajairiki

Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.