DuraMazwi
Browse Words
Words

-ombera

Shona Definition

Ku ombera kurovanisa maoko pamwe chete kana uchikwazisa mumwe munhu kana kuratidza rukudzo. Kana mukuwasha achibvunza ambuya upenyu, anotarisirwa kunge achiombera maoko. Kana uchi ombera maoko unenge uchibatanidza maoko ako pamwe uchiarovanisa achiburitsa ruzha runoratidza kutenda pane zvaunenge waitirwa. Amai vakatidziidzisa kuti tinofanira kuombera tisati tatambira zvekudya. -uchira . Kana uchi ombera maoko unenge uchiisa maoko pamwe uchiarovanisa kuratidza kufara kana kupemberera chimwe chinhu. Pakapedza sachigaro kutaura, vanhu vese vakaombera.

Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.