Used in other entries
“Dhamu iri ndiro rava kuomesa rwizi rwedu nekuti, kubvira zvarakavakwa, rwizi irworwu harwuchambonyatsooneki parwo.”
from kwau“Amai vangu vaigara vachititaurira kuti upenyu makasa, saka tinofanira kugara takagadzirira nekuti hatizivi zvinoitika mangwana.”
from makasi“Chirwere chinenge chanyanyisa nekuti mazuva ano ari kukosora achisvipa ropa.”
from -kosora“VaShona vanokudza madzimai chaizvo nekuti anovaberekera vana, rudzi ruchiramba ruchisimukira.”
from -kudza“Mabviriro aakaita pabhawa aiva ekunzvenga, nekuti aisada kutenga hwahwa.”
from mabviriro“Mukuwasha paakanyimwa mukadzi nekuti akanga aramba kubvisa mari yerusimudzo, akakunjaira achienda kumota kwake, ndiye hutu.”
from -kunjaira