Shona Definition
Mwana kachisikwa kanoberekwa nemunhu kana mhuka. Mwana munhu asati ayaruka, anenge achitoda kuriritirwa pane zvose. Mwana izita rinoshandiswa nevanhu vechikuru kureva munhu wese mudiki kwavari, nyangwe asiri wavo wekubereka. Mwana muchero wemuti kana mbesa kana chirimwa. Mwana ndeanopinda muchimai chemakiyi pakukiya nepakukiyinura musiwo.
Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.
Used in other entries
“Ndakapa mwana wangu tsimba yezvihwitsi akapedza kuzviduduna.”
from -duduna“Mwana akaita chidavirira vanhu vakuru vachitaura, akazosara orohwa.”
from chidavirira“Iyi inzvimbo inogara mwana apo mai vake vanenge vaine mimba.”
from chizvaro“Mwana anodya bota nechipunu.”
from chipunu“Mwana abatwa achiba chokudya anobovera mukanwa odundumara kuti zvisaonekwa.”
from -dundumara“Chiredzwa imombe kana chimwewo chinopihwa kumunhu anenge akarera mwana wemumwe.”
from chiredzwa