Shona Definition
Ichi chinan'anuri chemipanda 9 ne10 chinoratidza kuti chinhu chiri kutaurwa chacho chakapfuura, kana kuti hachisi kuonekwa asi chinozikanwa nevatauri. Mombe iya yokutungwa kudhibha takazoiuraya.
Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.
Used in other entries
“Konji ishinda iya inowanikwa kana munhu achinge apura chimwoyo chemufaibha kana mushayamhanda.”
from konji“Akatora tsvimbo iya, kwava kuiti kwinin'wini kwakadaro uko.”
from kwinin'wini“Wati chii nenyaya iya?”
from chii“Pandaibuda muchovhamubaiwa iya, bhurukwa rangu rakakakatwa nechipikiri pamusuo, rikabva rati mweu.”
from mweu“Ndinoda kumoneredza waya ine maburi madiki pamiti iya iri kumunda, kuti isadyiwe nembudzi.”
from -moneredza“Muromo hausiri iwo unopa zvinhu asi kunotozoti kana chinhu ichi chavapo maoko ndiwo anozadzisa vimbiso iya.”
from Muromo inyore kuvhura / kupfiga unonetsa