Browse Words
Shona Definition
Kana nzira yaka pfumba , vanhu vanenge vachigara vachipfuura napo, saka bundo rinenge rafa posara ivhu. Kana uchi pfumba munhu, unenge uchiedza kuti asatsamwa, kuti akangamwe zvaatadzirwa, kana kuti akuitire zvaunoda. Ku pfumba munhu kumupa mushonga unomuiita kuti atadze kuita zvimwe zvinhu, kana kuti aite zvinoda nyakupfumba. -fadza, -tsindika . Kana waka pfumba muromo unenge wakauvhara. Ku pfumba munhu kumupa mari kana zvimwe zvinhu zvinoita kuti akureverere pamhosva yawakapara, kana kuti akuitire zvimwe zvisiri pamutemo.
Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.