DuraMazwi
Browse Words
Words

mwedzi

Shona Definition

Mwedzi idenderedzi hombe jena, rinoonekwa kazhinji usiku rakajekesa nyika, asi dzimwe nguva richimboonekwawo kwakachena, risina kunyanyoita denderedzi kudaro. Mwedzi chidimbu chegore chinowanzoita mazuva makumi matatu kana kuti makumi matatu nerimwe. Mwedzi waKukadzi ndiwo wega une mazuva ane uwandu hunochinja, kubva kumakumi maviri nemasere kuita makumi maviri nepfumbamwe, makore mana ega ega. Kuenda ku mwedzi kwemunhukadzi kubuda ropa, rinenge richibva muchibereko, pamwedzi wega wega. kugeza

Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.

Used in other entries