Shona Definition
Mudzi inhengo yemuti inenge iri muvhu, inopa kudya nemvura kumuti wese kuti ukure. Mudzi mushonga unorapa kana kukuvadza, unocherwa kana kuwanikwa pazvimerwa zvakasiyana-siyana. Nyaviri yaMunya yakapedzwa nemudzi waakagezeswa nawo nambuya.
Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.
Used in other entries
“Ichi chiruva chine mudzi unobumba pasi, une mvura inodhaka munhu zvekufa.”
from mudzepete“Uyu muti une mudzi unoshandiswa kuurayisa hove mudziva.”
from chitupatupa“Aka kamuti kadiki kane mashizha akaita soomuzeze, asi kachiita mudzi unenge mbambaira pasi.”
from chizezepasi“Uyu muti une mudzi unoshandiswa kudhakisa hove mudziva.”
from dupadupa“Uyu muchero, mudzi kana chirimwa chinovava zvakanyanya.”
from garakara“Gorwa chirimwa kana mudzi usingadyiki, kazhinji pamusana pekuvava zvakanyanya.”
from gorwa