Shona Definition
Kunze ndiyo nyika yose nezvakaititenderedza pasi patinenge tigere. Nhasi kunze kwakaipirwa nemhepo nechando. Iri izwi rinosevenzeswa kutaridza anenge achisiyiwa pane zvinenge zvichitaurwa. Vamwe vese vanenge varipo pamba, kunze kwangu ini ndiri kuenda kuMhondoro. -siya, -banzi .
Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.
Used in other entries
“Kuti fedema kumira wakakwevera dumbu mukati, uchangobva kufemera kunze uchibudisa mweya wose wanga uri mumapapu.”
from fedema“Deteni rudzi rwegavhu rinooma kunze richigona kuboorwa nokushandiswa somudziyo wokucheresa mvura.”
from deteni“Dundira inhengo yakaita kahomwe inochengeterwa mvura isisadiwi nomuviri yakamirira kurasiwa kunze.”
from dundira“Iyi inguva inenge kunze kwava kuda kuzotanga kuchena.”
from mambakwedza“Kasekera imhando yemuti mupfupi une minzwa mumhanda mawo, une kunze kuchena nomukati mutema, uye wakaoma chaizvo kuutema.”
from kasekera“Kana kunze kwakati kwindi kunenge kune makore makobvu, kuchinge kune rima.”
from kwindi