Shona Definition
Kana uchi dya unenge uchiisa chikafu mumuromo, wotsenga uchimedza. Kana wa dya vamwe pamakwikwi unenge wavakunda. Kana uchinge wa dya mari unenge waishandisa uchitenga zvinhu nayo. Baba vakasiya vapa mhuri yavo mari yokudya pavakafamba rwendo. Kana munhu akaku dya unenge wakashandisa mari yakawanda paari uchimufadza, kazhinji muchidanana. Kana munhu achinzi ano dya mbwa, marasha kana gaka anenge achipenga zvikuru. VaChidhiramho vakatsamwiswa vanodya marasha nokupenga. Kana uka dya manonoko unenge wapfuurwa nezvimwe zvinhu usipo.
English Translation
When you eat, you put food in your mouth, chew and swallow. If you eat others in a competition, it means you have defeated them. If you ‘eat’ money, it means you have used it to buy things. Father left money for his family to ‘eat’ when he went on a journey. If a person ‘eats’ you, it means you have spent a lot of money on them, pleasing them, often in a romantic relationship. If a person is said to ‘eat’ dogs, coals, or cucumbers, it means they are very crazy. The Chidhiramhos were angered by the coal eaters for their madness. If you ‘eat’ delays, it means you will be overtaken by other things while you are absent.
Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.