Shona Definition
Dendere kanzvimbo kanovakwa neshiri neuswa kana kuti netumiti mainokandirira mazai ayo. Mukomana akavandira njiva ichivaka dendere rayo notumiti chete. Dendere chirukwa chikuru cheuswa chinogadzirirwa huku dzinokandira mazai kuti dzikandirirewo. Dendere mudziyo mukuru une maburi maburi unoshandiswa pakutakurira huku parwendo.
Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.
Used in other entries
“Urwu rudzi rweshiri diki, ine huma tsvuku, inovaka dendere rayo pamapazi akaoma, uye inowanzorira kana zuva richibanda.”
from chizuvaguru“Urwu rudzi rweshiri inoboora matanda ichiitira dendere mukati.”
from chiwowodza“Hohodza ishiri doko inoita dendere mumhango, uye inodya makonye notupuka turi mukati mamakwati ichiita zvokudododza.”
from hohodza“Nhengure rudzi rweshiri nhema, inogadzira dendere rayo pamhandi yemiti.”
from nhengure“Njiva rudzi rweshiri inovaka dendere rayo netumiti tudikidiki kana kuti tsotso, inoita vana vaviri chete uye inodya mbeu dzomuminda nemimwe michero yomusango.”
from njiva