Shona Definition
Denga chikamu chapamusoro chemba chinofukidza zviri mukati, chichiita kuti zuva kana mvura isapinda mukati macho. Denga inzvimbo yakanaka, inotenderwa navaKristu kuti kana munhu akafa achiita zvinodiwa naMwari, mweya wake unonogara kwairi nokusingaperi. Mufundisi akataura nezvokunaka kwedenga zvokuti vakanga vakaterera vakademba kuendako pakarepo.
Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.
Used in other entries
“Iri idenderedzwa riri pasi, rouswa hunopfekerwa panopfurirwa denga reimba.”
from darauswa“Uyu muti unombotanga kuiswa pakati pemba panenge pachivakwa denga remba, asi uchizobviswa kana ramira.”
from gundumbwiri“Kana denga rakati gwirididi rinenge rakadzivirwa namakore.”
from gwirididi“Guti imvura nhete inonaya musi wakunenge kwakatibikira makore denga rose.”
from guti“Kuti ja ja ja kuvhinza kunoita mvura mumudziyo wakabooka kana kuti denga remba risina kupfirirwa zvakanaka.”
from ja ja ja“Kana munhu akawana chinhu chaanogaroshaya anoswera achiita seachabata denga rechinomwe achinge anovhaira nomufaro.”
from Vatsva vetsambo (chena) / kudzisungira vanozviringa