Used in other entries
“Kasha chombo chinoshandiswa nemapurisa kana mauto, chakaita sekatende, kanokandirwa vanhu kachiputika kuparadzira utsi hunochemedza nokukachidza.”
from kasha“Ichi chidudzirazita chinoratidza chombo chashandiswa.”
from ne-“Kuti nje kurova paunenge uchida chaipo, uchishandisa chibhakera kana chombo.”
from nje“Ku ngodora kurova musoro wemunhu mushure mokunge wapotsera dombo, danda kana chimwewo chombo.”
from -ngodora“Nhoo mudziyo kana chombo chaishandiswa kare muhondo kudzivirira mapfumo.”
from nhoo“Museve chombo chakareba nokutesvera mberi chinoti chikakandwa neuta chinogona kubaya chachinenge chichikandirwa, ingava mhuka kana munhu.”
from museve