Shona Definition
Unyoro kupfava kunokonzerwa nemvura. Kana pasi paine unyoro hwakanyanya, manzwi anoenda kure. ANTONYMS ukukutu Unyoro kupfava nekunyarara kwakaita vamwe vanhu. Unyoro mwoyochena wokusada kuona anotambura ukasabatsira.
Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.
Used in other entries
“Chiyambwe rudzi rwehwowa hwakada kuita sedifi, asi ihwo huchidyiwa huri unyoro.”
from chiyambwe“Gwatara ivhu rinowanika mumativi erwizi, rine unyoro nemurakwani unoita kuti uswa nemiti zvikure.”
from gwatara“Ku undukura kurima munda muchirimo, kuti uchengete unyoro.”
from -undukura“Dapi rudzi rwembeva hombe, yakakura kudarika dzimwe dzose, inogara pane unyoro.”
from dapi“Kana uchi omesa unenge uchiita kuti chinhu chinyoro chirase unyoro kana mwando wacho wakachiyanika kana kusasika padyo nemoto.”
from -omesa