Browse Words
Shona Definition
Uyu mugove unopiwa munhu kana akunda vamwe, kana kuti aita chimwe chinhu chinorumbidzwa. Iyi imari kana zvimwewo zvaunogona kupihwa mushure mekunge washandira mumwe munhu. mubhadharo muripo
Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.
Used in other entries
“Sezvinoita murume, kuroora mukadzi anomupa mwana, munhu wose anoda kuchengeta chinhu chinomubatsira nokumupa mubayiro.”
from Unaki hwemukadzi / huri pamwana“Chinhu chikakuvadza kana kupa munhu mubayiro wakaipa, chinomuchenjedza zvokuti haazochiitizve.”
from Ziitakamwe / mimba yousikana“Kutsungirira nokusaora mwoyo mukuita chinhu ndizvo zvinopa mubayiro.”
from Hanga inobatwa namauruko mana“Munhu anofanira kuzotenda kubudirira kwechinhu kana achinge aona mubayiro wacho.”
from Tenda muchero wadya zvinogadza mwoyo.“Munhu anokurudzira vamwe neshungu ndiye ane pfungwa dzine mubayiro.”
from Nyuchi dzinoruma / ngedzine uchi