Shona Definition
Mai mukadzi akakubereka. Mai izwi rekukudza rinoshandiswa kusheedza mukadzi wese wechikuru kana mukadzi wese akaroorwa. Mai mukoma kana munin'ina wamai vakakubereka. Mai izwi rinoshandiswa kureva vanhu vese vekumhuri kwakazvarwa mai vakakubereka.
Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.
Used in other entries
“Pakaenda mai kunobika, vana vakasara zvavo vati deya kugara mumunda.”
from deya“Kana mai vachishandisa muchiso vanodzingira vana kure nokuvatyira kuti vangazotsva.”
from chipiso“Iyi inzvimbo inogara mwana apo mai vake vanenge vaine mimba.”
from chizvaro“Mai vakati, "Durura mvura iyo undipe chigubhu chacho.".”
from -durura“Mai vake pavakadzoka, akagara navo pasi, ndokutanga kuti danangu kwavari zvose zvakasara zvoitika.”
from danangu“Chisuku itsika yokupa mwana kudya, mai vachishandisa ruoko.”
from chisuku