DuraMazwi
Browse Words
Words

-kanya

Shona Definition

Kana uchi kanya unenge uchivhenganisa zvinhu zvakaomarara nezvinyoro, sezvakaita sadza mumukaka kana kuti ivhu mumvura, kuti ukwanise kuzvidya kana kuzvishandisa. Kana muchida kugadzira zvidhina zvakanaka, munotokanya ivhu repachuru. Kana uka kanya munhu unenge wamutadzira kana kumuvhiringidza, kana kumugumbura zvakanyanya chaizvo.

Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.