DuraMazwi
Browse Words
Words

-fara

Shona Definition

Kana uchi fara unenge uchinzwa kugutsikana mumweya nomupfungwa, nokunzwa kusununguka kana kudekara, zvikuru kana chinhu chawanga uchida chaitika. Paakapuwa hembe itsva musi wemabiko, akafara kunge achabhururuka. -dakara . Ku fara kukura koupamhi hwechinhu kana kuti kwenzvimbo. Hazviiti kuti kana muchida kuvaka zambuko, imi motsvaka pakanyanya kufara rwizi rwacho.

Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.