Shona Definition
Utsi mweya muchena unopwititika panobvira moto. Takaona utsi kutogoka mudenga, tikaziva kuti pane kwapiswa nemheni. Utsi munhu asina chaanoziva pamusoro pezvinenge zvichiitika, kana nyaya inenge ichitaurwa.
Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.
Used in other entries
“Kasha chombo chinoshandiswa nemapurisa kana mauto, chakaita sekatende, kanokandirwa vanhu kachiputika kuparadzira utsi hunochemedza nokukachidza.”
from kasha“Uku kusanyatsoona zvakanaka kunokonzerwa nekuti kunze kunenge kwasviba, kana kuti kune mhute kana utsi.”
from madzengere“Kuti ndugu ruzha runoitika panenge pachitsemurwa dombo, pachibuda utsi.”
from ndugu“Kuti mone kuvhiririka kunoita utsi kana guruva zvichisairirwa nemhepo zvichienda mudenga.”
from mone“Uyu muti unoita chiruva chakaomarara unotyoka-tyoka zvekuti vanhu vanofarira kuubikisa nekuti unobvira chaizvo usingaite utsi.”
from mumhonda“Paipi chivezwa chine chikomba nemwena unokakatiwa nawo utsi pakuputa fodya.”
from paipi