Shona Definition
Kuti tasa kufa pakare pakare. N'ombe yakapfurwa mugotsi ndokubva yangoti dhi, ndiye tasa. Kuti tasa kufamba munhu akarurama, asingatsauki. Kuti tasa kururama kwedanda kana zvimwewo. Tambo dzemagetsi dzinenge dzakati tasa kururama. twasa .
Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.
Used in other entries
“Kana chinhu chaka gonyana chinenge chisina kuti tasa asi chakazviunganidza panzvimbo imwe.”
from -gonyana“Ku nhutsa kupotsera dombo, roenda mudenga rakati tasa kunanga chaunenge uchipotsera.”
from -nhutsa“eKu pikura kushandisa chimwe chinhu kutsigira chinhu chaunoda kuti chigare chakati tasa, kana kuti chakasimukira.”
from -pikura“Kana munhu achi nzveka- nzveka anenge achitiza, achishandisa nzira isina kuti tasa.”
from -nzveka-nzveka“Ku nzvenda-nzvenda kufamba usina kuti tasa, uchiratidza kuremerwa nezvaunenge wakatakura.”
from -nzvenda-nzvenda“Kuti difa kufonyokera musana kunoitwa navanhu vakura, vasisagone kufamba vakati tasa.”
from difa