Shona Definition
Pasi inzvimbo inosanganisira nyika nenyanza dzose nevanhu vanogaramo. Pasi ivhu ratinotsika kana tichifamba kana kurima, uye ndipowo panomera miti nebundo. Pasi izwi rinoshandiswa kuratidza marongerwo akaitwa zvinhu, chimwe chiri pamusoro.
Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.
Used in other entries
“Vakafukura jecha kusvikira vabata mvura pasi, ndokunwa.”
from -fukura“Kuti fatata kudonha pasi wobva wazvambarara nedumbu.”
from fatata“Mutambi wetsiva akanzi nechibhakera detsu ndokubva awira pasi.”
from detsu“Kuti dhabhu kurovera pasi nokukwira mudenga kungaitwa nechinhu chakaita sebhora.”
from dhabhu“Kuti dzikiti kudzika pasi uchibva pakakwirira uchisvikomira wakanatsa kutsiga.”
from dzikiti“Kuti chonjoma kutononona munhu akagara pazvitsitsinho, akatsika pasi nezvigunwe.”
from chonjoma