Shona Definition
Mafuta muto unosvinwa kubva muzvirimwa zvakaita senzungu, unoshandiswa pakubikisa. Mafuta ruomba runozorwa mumuviri kana munhu apedza kugeza. Mafuta idikitiki rinoiswa pasimbi dzezvinofamba kuti dzisakwesherana, dzinyatsofamba zvakanaka.
Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.
Used in other entries
“Donhwe chipundu chezvakaita semvura kana mafuta chinodonha kamwe chete.”
from donhwe“Kana mhuka yaka kora inenge ine mutumbi mukuru, nyama yacho iine mafuta.”
from -kora“Aya mafuta anosvinwa kubva mumhodzi uye unoshandiswa somushonga wokurapa mudumbu.”
from kasitoro oiri“Kuti chigidi kuwanza munyu muusavi kana mafuta kumeso.”
from chigidi“Kirimu ruomba kana kuti mafuta anotorwa nechepamusoro pemukaka.”
from kirimu“Kuti chakachaka kuva nemiromo yakazara mafuta mushure mokudya zvine mafuta akawanda.”
from chakachaka