DuraMazwi
Browse Words
Words

-kora

Shona Definition

Kana mhuka yaka kora inenge ine mutumbi mukuru, nyama yacho iine mafuta. Munhu anonzi akasimba kana kuti akafuta, asi mhuka ndiyo inonzi yakakora. Ku kora kushanduka kunoita mukaka mumbishi uchizotanga kuvava nokugwamba, mobva mozowodzeka kana muchida. Sadza rinonaka kudya nomukaka wakakora, kwete mumbishi.

Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.