Shona Definition
Uku kuenderana kunoita zvinhu, sezvakaita mibairo ingapihwa vana vechikoro, zvichienderana nekugona kwavanenge vaita zvidzidzo zvavo. Sevanhu vemaricho kudai, tinongobhadharwawo maererano nekushanda kwatinenge taita musi iwoyo.
Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.
Used in other entries
“Gosha munhu anonzwisa tsitsi maererano nenhamo dzake.”
from gosha“Chitupa igwaro rinopiwa munhu kuratidza kuti ndiani, rimwe nerimwe riine nhamba yaro rega, uyezve rakanyorwa zvimwewo zvakakosha kuziva maererano nomuridzi waro.”
from chitupa“Kana uchi denengura unenge uchitaura zvose zvaunoziva maererano nechimwe chinhu pasina zvaunosiya.”
from -denengura“Kuti hwe kuva nepfungwa dzakanyatsojeka maererano nezvaunenge uchiita.”
from hwe“Guhwa kutaura maererano neumwe munhu uchireva chokwadi kana manyepo maererano naye iye asipo.”
from guhwa guwa“Munhu anoda kuva nembirimi anotoita tsika dziri maererano nezvinopa rukudzo.”
from Kugadzwa umambo / kugwadamira midzimu