DuraMazwi
Browse Words
Words

-femba

Shona Definition

Ku femba kufema zvine simba uchikwevera mweya mukati, kuti usvute fodya yomumhino kana kuti unyatsonzwa munhuhwi kana hwema hwechimwe chinhu. Vazhinji vanoita zvokufemba fodya yebute asi vamwe vanoita zvokuiisa pasi porurimi. Ku femba kuita zvinhu zvinogumbura umwe munhu. Shamwari, zvinhu zvandaitirwa naforomani kubasa nhasi zvandifemba, zvokuti handifungi kuti tichakwanisa kushanda tose zvakanaka. -shatirisa, -tsamwisa .

Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.