DuraMazwi
Browse Words
Words

fa-a

Shona Definition

Kuti fa-a kutanga kuvira kana kufashaira kwemvura, kana zvimwewo zvinoti kana zvaiswa pamoto zvinovira. Kana mukaka wauri kudziyisa uyo wangoti fa-a, ibva waubura usati wafashaira uchiteukira mumoto. fanzai . Kana ukaramba uchidira mvura kana mushonga kana pendi uchiti fa-a , unenge uchishandisa pombi kana mumwewo mudziyo wokumwayisa. Kana munhu akagara akati fa-a anenge akasununguka, achiratidza kufara, asina zvinomunetsa mupfungwa.

English Translation

The term 'fa-a' refers to the initial stage of boiling water, or any other liquid that boils when heated. If the milk you are heating has just reached the point of 'fa-a', remove it immediately before it boils over and spills into the fire. Regarding spraying, if you keep spraying water, medicine, or paint, saying it's at the 'fa-a' stage, you are likely using a pump or another spraying device. If a person is sitting comfortably, saying they are at 'fa-a', it means they are relaxed, showing happiness, and have no mental worries.

Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.