Shona Definition
Chipo ndechese zvacho chinopiwa mumwe munhu asina kukumbira, uye asingatengeserwi. Ndakapiwa mabhuku nomudzidzisi sechipo. chipiwa Chipo chikomborero kana tarenda rinopiwa munhu rokugona kuita zvinotadzwa nevamwe. Mwana wangu ane chipo chokuveza migwaku. chipiwa
Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.
Used in other entries
“Murume wangu ane chipo chokukanika zvinhu zvinhu zvakawanda, kubva kumawairesi kusvikira kumotokari.”
from -kanika“Marero chipo chinopihwa munhu anenge arera mwana wemumwe kwemakore.”
from marero“Ichi chipo chinopiwa nyamukuta anenge abatsira pakusununguka kwemudzimai, zvikuru kana pane zvanga zvichinetsa pabasa racho.”
from mareyamhuru“Chipo naSofi vakaitirana mutenganagudo apo Chipo akati aizopa Sofi hembe kana Sofi amuwachira.”
from matenganagudo“Handwa chipo chaunopa mumwe munhu pasina kutarisira mubhadharo kana kuzochidzoserwa.”
from handwa“Ichi chipo chakanaka chinopuwa munhu nomusiki, kana chinoitika kumunhu.”
from chikomborero