Browse Words
Shona Definition
Kuti bvu kuseka kwevanhu vakawanda nguva imwe. Paakadonha nebhasikoro, vanhu vose vakabva vati bvu kuseka. Kuti bvu kupfeka hembe refu inovharidzira kwese kwese. Ambuya vangu vanofarira kuti ndivatengere hembe dzinoti bvu. Kana chinhu chakanzi bvu chinenge chakawaridzwa. Kuti bvu kuparadzira zvinhu zvakawanda. Nhumbi dzaJojo dzaive dzakati bvu paruware. Kana munhu akati bvu anenge akaneta zvikuru.
Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.
Used in other entries
“Kuti bvu bvu bvu kuva neutano hwakadzikira.”
from bvu bvu bvu“Kuti bvu bvu bvu kuva neutano hwakadzikira.”
from bvu bvu bvu