DuraMazwi
Browse Words
Words

-bata

Shona Definition

Ku bata kusimudza kana kutsigira chinhu namaoko. Kubata kutevera kana kutandanisa chinotiza kusvika wava pachiri wava kukwanisa kuchivharidzira kuti chisaramba chichienda. Kubata kuona kana kunzwisisa zviri kutaurwa kana kuti zviri kuitika. Ini nyaya yamuri kutaura handisi kumboibata kana. Kubata kuita basa nemwoyo wose. Vanhu vakare vaifarira kuroora vakadzi vanobata.

English Translation

To hold is to lift or support something with the hands. To catch is to follow or chase something that is fleeing until you are close enough to prevent it from continuing to escape. To grasp is to see or understand what is being said or what is happening. As for me, I don't grasp the matter you are talking about at all. To be industrious is to do work wholeheartedly. In the past, people preferred to marry industrious women.

Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.