Browse Words
Shona Definition
Kana uchi tega mapfiwa unenge uchiaronga zvakanaka, kuti ugokwanisa kugadzika poto pamoto. Kana n'ombe ya tega inenge yakakotamira musoro, yagadzirira kuti itungane neimwe. Kana varwi va tega pfuti, vanenge vagadzirira kudziridza. Kana munhu anoda kutakudzwa zvinorema a tega , anenge asimbisa muviri wake kuti achizvitakudzwa kana kuti azvisimudze. Kana mutambi wetsiva a tega , anenge akamira achiita seakarerekera mberi kana kumashure, kuti asawa. Ku tega kusimukira kunoita munhu akagara paya, paanenge obudisa mweya.
Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.