DuraMazwi
Browse Words
Words

-rumira

Shona Definition

Ku rumira kuzvinyika mazino munyama dzemukanwa kana parurimi, kunoitwa nemunhu pakutsenga kana akarivara. Ku rumira kurwadza kungaite mazino, kana munhu asanganidzana nematombo kana zvimwewo zvakaomarara pakutsenga. Ku rumira kukuvara kungaite chinhu chakapfava, chapfanyidzirwa pakati pezvinhu zvakaomarara. Chubhu isina mweya inorumira pamatombo nerimhu. Ku rumira kusevesa sadza nenyama shoma, zvokuti unotora nguva une nhindi imwe chete uchiidambura zvishoma nezvishoma.

Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.