Shona Definition
Nzira igwara rinofambwa naro nevanhu, mhuka kana zvifambiso zvakaita semotokari. mugwagwa Nzira yekuita nayo chimwe chinhu maitiro ekuita nawo chinhu ichocho. Ini ndanyatsokuratidza nzira yakanaka yekucheka nayo huku, wava kuita zvokungobvamba- bvambura. Kana uchibvunzwa kuti ne nzira yei waita chimwe chinhu, unenge uchibvunzwa chasakisa kuti uchiite. Nenzira yei watuma mwana neusiku hwakadai? chikonzero
Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.
Used in other entries
“Paakatamba mabhiza akaruza, murume aifamba nzira yose achingoti musoro duwa duwa.”
from duwa duwa“Zidombo rakakoromoka kubva mugomo richisvikovhara nzira pasi.”
from -koromoka“Ku kotoka kufamba kwevanhu vakawanda, vachibva pavanga vari vachienda vakananga nzira imwe.”
from -kotoka“Mumajere muzere magwevedzi anorunzira vamwe nzira dzokunzvenga mapurisa nadzo.”
from gwevedzi“gwakumukwaku Uku kushandisa nzira dzakawanda dzokuzviraramisa komunhu anoshaya.”
from hwakumukwaku“Ku gurira kutora nzira inodimbudzira kwaunoenda kuti mufambo upfupike.”
from -gurira