Shona Definition
Dumbu chikamu chomuviri munogara ura nokupinda zvatinodya zvose zvichigayiwa. nhumbu Dumbu itsono hobvu yakasimba, inosoneswa nayo masaga. Murimi asina dumbo rokusonesa masaga anorasikirwa nembeu dzake. dumho
Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.
Used in other entries
“Kuti fedema kumira wakakwevera dumbu mukati, uchangobva kufemera kunze uchibudisa mweya wose wanga uri mumapapu.”
from fedema“Choya ivhudzi rinomera pamunhu ayaruka panzvimbo inoperera dumbu nechepakati pezvidya.”
from choya“Urwu rukanda rutete runokamura dumbu nechipfuva nechomukati, runobatsiridza pakufema.”
from dhayafuramu“Kana munhu achi dagaira anenge achifamba akaisa dumbu mberi, musoro uchinge wakarerekera shure zvine kuzvida mukati.”
from -dagaira“Uyu munhu mupfupi ane dumbu guru.”
from chidumbuzeya“Kana dumbu rakati dandara rinenge rakazara uye richioneka kubudikira kunze.”
from dandara