DuraMazwi
Browse Tsumo
Tsumo

Mari haina musi waisinganaki

Shona Definition

Kana munhu achidzorerwa chikwereti nouya wakambomukwereta, ngaatambire chero mari yaanenge auya nayo chero zuva ripi zvaro. Ngaarege kubva ati anoda kudzorerwa yose pazuva rimwe chete nokuti mari inogona kuyamura munhu nyange ikadzorerwa mushure menguva huru.

English Translation

There is no day on which money is unwelcome. A creditor should accept whatever the borrower brings, on whatever day it comes, rather than insisting on the whole sum at once, since money still helps even when it arrives long afterwards.

Cultural Context

“Used to urge a creditor to take part-payment of a debt graciously instead of demanding it all in one go.”

Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.