DuraMazwi
Browse Tsumo
Tsumo

Nhumbu iziso risingatauri zvaraona

Shona Definition

Nhumbu haitauri chainenge yadya. Munhu mukuru haawanzoburitsi zvaanenge anzwa kana zviri zveguhwa, zvakare haatauri nyaya dziri mumwoyo make.

English Translation

The belly never announces what it has swallowed, and in the same way a person of standing keeps to himself what he learns and what lies in his heart.

Cultural Context

“Invoked to praise discretion and to warn against passing on gossip or confidences.”

Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.

This is a variant of

Nhumbu mukadzi mukuru / hairevi chayadya

The belly behaves like a senior wife: it keeps quiet about whatever it has consumed.