Showing results for in Nyaudzosingwi
Kuti ba kukaruka waona zvawanga usingafungiri. Pandakangoti ba kuona bhinya, ndakamhanya kunge ndichadambura gumbo.
Sometimes you are suddenly faced with the unexpected. The moment I saw the snake, I ran as fast as I could, nearly breaking a leg.
Kuti bha kurira kunoita chinhu charohwa zvakasimba.
The sound of 'bha' is what happens when something is hit hard.
Kana zvinhu zvichinzi zvaitwa zvokuti bhe zvinenge 0zvanyatsoitwa nemazvo.
Used of things that have been done thoroughly and properly.
Kana chinhu chati bhi chinenge chadonhera pasi zvine mutsindo.
Describes something falling to the ground with a heavy thud.
Kuti bho kurova chinhu kamwe chete. Kuti bho kurovera pane chimwe chinhu. Pandakacheuka kuti ndione aindidaidza, ndakabva ndangoti bho pamuti wanga uri padivi penzira.
Describes striking something a single blow, or bumping up against something. Example: When I turned round to see who was calling me, I walked straight into a tree that was beside the path.
Kuti badu kutsemuka kunoita zvakaita nyimo, nzungu kana chimwe chinhu chinoita mapande. Kuti badu kurovera nekumondoka kana kubva oendi kunoita chinhu chakaita sendiro kana ooto chikadonhera oasi. Kuti badu kurova munhu nembama
Describes the splitting or cracking open of things like bambara nuts, groundnuts or anything else that breaks into segments. Also used of something like a plate or pot striking the ground and shattering when it falls, and of slapping a person with the open hand.
Kuti bamu kutsemuka kwechinhu chichisara chiine mitsemu mitsemu.
To shatter is to break something leaving it with many fragments.
Kuti bepe kunyatsowaridzwa kwezvakaita rukukwe kana gumbeze.
Describes the neat, even spreading out of something like a reed mat or a blanket.
Kana munhu akati bepu anenge avhurumuka kubva mukufenda, kurara kana zvimwewo.
Used of a person who comes to suddenly, starting up out of a faint, out of sleep or the like.
Kana munhu akati bera anenge agara panzvimbo yaasingatarisirwi kunge achigara. Ko zvawati bera pachituru chababa, uri kuda kuzviita baba veoano here?
Used of a person who sits down in a place where he is not expected to sit, as when a child plants himself on his father's chair.
Kuti beza kugara munhu akangonyarara.
Describes a person sitting quite silent, saying nothing.
Kana musuo wakati bheu unenge wakavhurika. Ndawana musuo wanzi bheu nemhepo.
Used of a door that stands open: if a door has gone bheu, it is open. Example: I found the door blown wide open by the wind.
Kuti bheu kupidiguka kwechinhu.
To vomit is the overturning of something.
Besvu magariro anoita munhu, akataranganisa makumbo ake zvakanyanya zvinoonesa zviri mukati.
Describes the way a person sits with the legs spread very wide apart, so that what is underneath is exposed.
Kuti bhagu kurova chinhu zvakasimba uye zvine mutsindo. Ndakamuti bhagu achibva adonha pasi.
Describes striking something hard and with a heavy thud, as in: I hit him badu and he fell to the ground.
Kuti bhigi kutsika pasi zvine mutsindo sezvinoita mombe kana bhiza.
Describes treading heavily on the ground, as cattle or a horse does.
Kuti bho-o kudzvova. Kana mombe ichiti bho-o inenge ichiita ruzha ichikuma. Mhou yakati bho-o ichichemera mhuru yayo yaive yarasika.
Describes bellowing; when a cow goes bho-o it is making a loud lowing noise. Example: The cow bellowed as it called for its calf that had gone missing.
bhebhenu .
Variant spelling of "bhebhenu".
Kana munhu ati bepetu anenge anwa chinwiwa nekuchipedza asina kana kumbozorora.
Used of a person who drinks a beverage straight down and finishes it without pausing once.
Kuti betete kugara zvakanaka wakazorora zvizere, sekuzorora uko tinoita takagara pasofa.
Describes sitting comfortably and fully at rest, like the way one relaxes seated on a sofa.
Kana wanzi bhadhu unenge warohwa nembama kumeso kana mumusoro.
Used when one has been struck with an open hand on the face or on the head.
Kuti bhangu kubhuguja munhu achirova mvura zvine ruzha.
Describes a person splashing about, beating the water noisily.
Kuti bheshe ruzha runoitwa nemunhu ari kufamba mujecha. zhwau .
The noise made by a person walking in sand. See zhwau.
Kuti bhimhi kurova munhu kamwe chete nechibhakera kumusana, pachipfuva kana kuti mudumbu. Usati mwana bhimhi mudumbu, unozomukuvadza.
Describes striking a person a single blow with the fist on the back, the chest or the stomach. Example: Don't punch the child in the stomach, you will injure him.
Kuti bhimhu kurova kumusana nechibhakera.
Describes striking someone on the back with the fist.
Kana munhu achiti bhinyi anenge achifamba zvekuratidza kuti ane hasha panguva idzodzo.
Used of a person walking in a manner that shows they are angry at that moment.
Kuti bhodyo kuboora chinhu nekukasika.
Describes piercing or boring through something quickly.
Kuti babandu kugaya-gaya chidyiwa chakaomarara nemazino zvichiita ruzha runonzikwa nevari pauri.
To crunch is to grind hard food with your teeth, making a noise that can be heard by those nearby.
pengenu .
Variant spelling of "pengenu".
Kuti bherere kuchema kwemakwai.
The sound of sheep bleating.
Kuti bhi bhi kufamba zvine mutsindo.
Describes walking with heavy, thudding footsteps.
Kuti barabada kusimuka kana kumuka kwemunhu kana mhuka yanga yakarara zvichiita sekuvhunduka.
Describes the sudden getting up or waking of a person or animal that had been lying asleep, as though startled.
Kuti benemene kuchena kwedenga risina kana kakore.
Describes the clearness of a sky without even a single cloud.
Kuti berebedu kuruma-ruma chinhu uchisiyirira zvimwe kana kusiya chava nemaburi maburi.
Describes biting repeatedly at something, leaving parts of it uneaten, or leaving it full of holes.
Kuti bhabhanu kupetenuka kunoita sezvakaita jira kana bepa rakapetwa.
Describes the unfolding of something such as a cloth or a sheet of paper that had been folded up.
Kuti bhebhenu kuvhura chinhu chakavharwa. bhedhenu .
Describes the opening of something that was shut. See bhedhenu.
Kuti bhedhenu kupetenuka kwechinhu changa chakavharwa.
Describes the folding back or opening out of something that had been closed.
Kuti bhibhiri kutsika-tsika pasi kwemunhu ari kurwisana nemumwe. biribidi .
Describes the repeated stamping of the ground by someone fighting with another person. See biribidi.
Kuti bhabhangu kudhidha uchirova mvura nemakumbo zvine simba nemakumbo.
Describes swimming while beating the water forcefully with the legs.
Kuti bhambangu kurira kwengoma yakakura.
The sound of a large drum sounding.
ngwerewere .
Variant spelling of "ngwerewere".
Kuti bhikiriri kufamba zvishomashoma zvichiratidza kuti munhu ari kunzwa usimbe.
Describes walking slowly, little by little, in a way that shows the person is feeling lazy.
Kuti bha bha bha kurira kunoita mapapiro eshiri kana ichibhururuka.
The onomatopoeic word 'bha bha bha' represents the sound of a bird's wings as it flies.
Kuti bhagu bhagu kurira kunoita mvura kana ichisabvurwa nemunhu anenge achishambira.
The sound of water being splashed about by a person who is swimming.
Kuti bharanganda kuvaima kunoita kunze kana kuchinaya kuine mupande. Kana munhu achinzi akati bharanganda anenge aine pameso panoratidza kungwara.
Describes the glint of the outdoors when it rains while the sun is shining. Of a person, it describes having a look about the eyes that shows alertness or cleverness.
Kuti bherengende kuvhura musuo nokupinda munhu asina kumbomira.
Describes opening a door and walking straight in without pausing at all.
Kana munhu achiti badara badara anenge achizvipunzira pasi neshungu, kunyanya anenge afirwa.
When a person repeatedly says 'badara badara,' they are usually expressing extreme grief and anguish, especially after experiencing bereavement.
Kana munhu achiti bhidha bhidha anenge achitsika pasi nesimba zvekuratidza kuti akashatirwa. Ndasiya baba vachiti bhida bhida kufamba nechivanze vakamirira vakomana vadyisa munda wavo nemombe.
Used of a person stamping hard on the ground in a way that shows they are angry. Example: I left father stamping about the yard, waiting for the boys whose cattle had grazed his field.
Kuti bhodho bhodho kufamba zvishoma nezvishoma kwemunhu anozvida.
Describes the slow, little-by-little walk of a person who thinks highly of themselves.
Kuti bhidhiri bhidhiri kukunguruka kwechinhu chinorema uye chinorira zvine ruzha. Dhiramu rakati bhidhiri bhidhiri pasi apo raikungurutswa nevana.
Describes the rolling of a heavy object that makes a loud rumbling noise. Example: The drum went bhidhiri bhidhiri along the ground as the children rolled it.