DuraMazwi
Browse Tsumo
Tsumo

Murombo chirega chinya

Shona Definition

Hazviyamuri kuti munhu akonewe kuita chinhu chaanga akafanira kuita nemhosva yeshungu. Zvinoratidza kupusa kana munhu achiramwa kudya sadza nemhosva yokuti atadzirwa; zvikuru kana munhu wacho ari murombo, asina kumwe kwaangawana sadza.

English Translation

Temper gains nobody anything: it is foolish to turn down what you need because you have been wronged. A poor man in particular should hold himself in check and wait for his opportunity.

Cultural Context

“Applied to someone who refuses to eat because he has taken offence.”

Entries are reviewed by language experts. Thank you for your contribution to Shona literature.